Kukosha kwechikorobho

Killer T, Bodyslam Records, PTK Music

[Intro: Killer T, Bodyslam Records & PTK Music]
BodySlam Records
Hot Property
PTK
Nyatso checka ma settings, ma runnings (izvi zviri right)

[Verse 1]
Mwanangu we ita unditeerere usaita sedzakambotamba nepwere
Hauna kungwara usazvinyepere
Kana zvikazooma usandicheme

[Chorus]
Uchazoona kukosha kwechikorobho warasa mvura
Hauteerere kana ndichikutsiura
Mukana inguva uyu unopfuura
Uchazoona kukosha kwezvandaireva
Kukosha kwechikorobho warasa mvura
Hauteerere kana ndichikutsiura
Mukana inguva uyu unopfuura
Uchazoona kukosha kwezvandaireva

[Verse 2]
Mwanangu pangu ndakashanda kare, inzwa
Unongopindura kana wabvunzwa
Wotomubatisisa anotumbura munzwa
Akazoonekwa nembonje ndambakuudzwa
Muromo wevakuru hauwire pasi
Hakuna munhu asina basa kubvira nhasi
Usava nemunhu waunozotarisira pasi iwe
Nekuti mangwana haasi nhasi

[Chorus]
Uchazoona kukosha kwechikorobho warasa mvura
Hauteerere kana ndichikutsiura
Mukana inguva uyu unopfuura
Uchazoona kukosha kwezvandaireva
Kukosha kwechikorobho warasa mvura
Hauteerere kana ndichikutsiura
Mukana inguva uyu unopfuura
Uchazoona kukosha kwezvandaireva

[Verse 3]
Idzo nungo dzinouraya vatenzi nenzara
Unofanira kudyawo zvaunenge wadyara
Kwete kuda kuguta asi wakagara
Upenyu hauuye wakagara
Pauchatsvaga pane bako unenge wanaiwa, ah
Ipapo uchanditsvaga asi uchandishaiwa ah
Uchazoona kukosha kwechikorobho warasa mvura
Hauteerere kana ndichikutsiura
Mukana inguva uyu unopfuura

[Chorus]
Uchazoona kukosha kwezvandaireva
Kukosha kwechikorobho warasa mvura
Hauteerere kana ndichikutsiura
Mukana inguva uyu unopfuura
Uchazoona kukosha kwezvandaireva

[Pre-Chorus]
Mwanangu pangu ndakashanda kare, inzwa
Unongopindura kana wabvunzwa
Wotomubatisisa anotumbura munzwa
Akazoonekwa nembonje ndambakuudzwa
Muromo wevakuru hauwire pasi
Hakuna munhu asina basa kubvira nhasi
Usava nemunhu waunozotarisira pasi iwe
Nekuti mangwana haasi nhasi

[Chorus]
Uchazoona kukosha kwechikorobho warasa mvura
Hauteerere kana ndichikutsiura
Mukana inguva uyu unopfuura
Uchazoona kukosha kwezvandaireva
Kukosha kwechikorobho warasa mvura
Hauteerere kana ndichikutsiura
Mukana inguva uyu unopfuura
Uchazoona kukosha kwezvandaireva

[Verse 4]
Idzo nungo dzinouraya vatenzi nenzara
Unofanira kudyawo zvaunenge wadyara
Kwete kuda kuguta asi wakagara
Upenyu hwakanaka hauuye wakagara
Pauchatsvaga pane bako unenge wanaiwa, ah
Ipapo uchanditsvaga asi uchandishaiwa ah

[Chorus]
Uchazoona kukosha kwechikorobho warasa mvura
Hauteerere kana ndichikutsiura
Mukana inguva uyu unopfuura
Uchazoona kukosha kwezvandaireva
Kukosha kwechikorobho warasa mvura

[Outro]
Hauteerere kana ndichikutsiura
Uchazoona kukosha kwezvandaireva

Curiosidades sobre la música Kukosha kwechikorobho del Killer T

¿Cuándo fue lanzada la canción “Kukosha kwechikorobho” por Killer T?
La canción Kukosha kwechikorobho fue lanzada en 2015, en el álbum “Ngoma Ndaimba”.
¿Quién compuso la canción “Kukosha kwechikorobho” de Killer T?
La canción “Kukosha kwechikorobho” de Killer T fue compuesta por Killer T, Bodyslam Records, PTK Music.

Músicas más populares de Killer T

Otros artistas de